kudzıdzısa pachıshandıswa mavhıdhıyo

Transkript

kudzıdzısa pachıshandıswa mavhıdhıyo
KUDZIDZISA PACHISHANDISWA MAVHIDHIYO MUTAURO WEMASAINI
Ona Zvinhu Zvomutauro Wemasaini
Unogona kuimba here?
Unogona here kuimba rwiyo nhamba 41 rwunoti “Namatai
Jehovha Muchiri Vaduku,” rwuri mubhuku rinonzi Imbirai
Jehovha? Vhura rwiyo rwacho mubhuku rako renziyo, kana kuti
rwukope pajw.org. (Tarisa pakanzi MABHUKU ˛ MABHUKU UYE
MABHUROCHA.) Mashoko erwiyo rwacho anokuyeuchidza kuti
uremekedze vabereki vako uye uteerere Jehovha Mwari.
Unoziva here maimbiro anoita matsi?
Vanoshandisa mutauro wemasaini. Ona rwiyo rwunoti
“Namatai Jehovha Muchiri Vaduku” rwuchiimbwa muMutauro
Wemasaini wokuAmerica pajw.org. (Tarisa pakanzi
MABHUKU ˛ MUTAURO WEMASAINI. Iva nechokwadi
chokuti wasarudza Mutauro Wemasaini wokuAmerica.) Pane
mamwe masaini awaziva here?
( ITAI IZVI: Itai kuti munhu mumwe chete asarudze rugwaro rwaanofarira
muMagwaro echiGiriki (Mateu kusvika kuna Zvakazarurwa). Verengai
pamwe chete rugwaro rwacho, mobva maita kuti mumwe ari mumhuri
yenyu averenge rugwaro rwacho achishandisa masaini. Chipedzisai
nokuona maverengerwo anoitwa rugwaro rwacho muMutauro
Wemasaini wokuAmerica pajw.org. (Tarisai pakanzi MABHUKU ˛
MUTAURO WEMASAINI. Ivai nechokwadi chokuti masarudza Mutauro
Wemasaini wokuAmerica.) Mungakwanisa here kuzvitevedzera?
www.jw.org 5 2013 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
s
Kopa nyaya iyi
pawww.jw.org

Benzer belgeler

kudzidzisa pachishandiswa mavhidhiyo

kudzidzisa pachishandiswa mavhidhiyo Endai pajw.org muone vhidhiyo yakanzi “Zvinotaurwa Nevezera Rako—Kushungurudzwa Panyaya Dzepabonde.” (Tarisai pakanzi ZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI > VARI KUYARUKA > ZVINOTAURWA NEVEZERA RAKO.) Chiped...

Detaylı

mwari vanopa humwe humbowo huno simbisa kuti

mwari vanopa humwe humbowo huno simbisa kuti mafashama ave kuda kutotanga Noah akarairwa naMwari kuti mumazuva masere mafashama achatanga (Genesi wenomwe ndima yechina kouya ndima yegumi kusvika pandima yegumi nenhanhatu). Tichishandisa mutau...

Detaylı