mwari vanopa humwe humbowo huno simbisa kuti

Transkript

mwari vanopa humwe humbowo huno simbisa kuti
Family Radio ishumiro yenhepfenyuro yechiKristu inehwaro hweBhaibheri isina kubatana nekereke.
MWARI VANOPA HUMWE HUMBOWO HUNO SIMBISA KUTI
KUBVUTWA KUCHAVEPO MUSIWA 21, CHIVABVU 2011
Mwari mutsitsi dzavo huru
vakapa humbowo hwakanakisa kuti
gore ra2011 ndiro gore rokubvutwa
rinobatana nezuva rokutongwa uye
nekuguma kwenyika. Rangarira
muna Petro wepiri chitsauko chetatu
mundima yesere, mutsanangudzo
dzekutinongedzera kumafashama
ezuva raNoah uye zvekare
nekuparadzwa kwenyika panguva
yokuguma kwenguva, Anotaura
achiti “zuva rimwe kuna Ishe rakaita
sechiuru chemakore, uye chiuru
chemakore sezuva rimwe”.
Mumakore apfuura
takadzidza kubva muBhaibheri kuti
mafashama akaitika mugore ra 4990
B.C. Munguva shomane
ichangopfuura takadzidza kuti zuva
rokutongwa richaitika mugore ra
2011A.D. Gore ra 2011 A.D. makore
7,000 chaiwo mushure megore ra
4990 B.C.
Munguva yokunge
mafashama ave kuda kutotanga Noah
akarairwa naMwari kuti mumazuva
masere mafashama achatanga
(Genesi wenomwe ndima yechina
kouya ndima yegumi kusvika
pandima yegumi nenhanhatu).
Tichishandisa mutauro waPetro
wepiri chitsauko chetatu, pandima
yesere: kuti zuva rimwe rinenge
chiuru chemakore, Mwari
vakashandisa Noah uyo akanga ari
muparidzi (Petro wepiri chitsauko
chepiri ndima ye chishanu)
kuparidza kuti rudzi rwemunhu rine
mazuva manomwe kana zviuru
zvinomwe zvemakore kutiza
kuparadzwa. Sezvo 2011 A.D. anove
makore ane zviuru zvinomwe
chaizvo mushure mokunge Noah
aparidza yambiro iyi,
Mwari vakapa vanhu humbowo
hwakanakisa kuti zuva romutongo
richaitika mugore ra 2011.
Mwari vakadzokorora
chitaurwa “zuva rimwe sechiuru
chemakore” kusimbisa zvikuru kuti
izvi zvakaitwa naMwari uye
munguva shomane zvichaitika
(Genesi chitsauko chemakumi mana
ane imwe, ndima yemakumi matatu
nembiri)
UMWE HUMBOWO
Mwari munyasha dzavo
vakapazve humwe humbowo
hwakakura. Izvi zvinova
sezvinotevera:
Tadzidza kuti zuva chairo
repamuchinjikwa raive Kubvumbi 1,
33A.D, kana zvichitairswa nekarenda
redu remazuva ano. Kubvumbi 1, 33
A.D ndiro chete zuva rinonangana
nezvinodiwa zvose neBhaibheri,
sezvakaita musi wechishanu
unokwana pazuva chairo rePassover,
iro rinove zuva Kristu aifanira
kuroverwa.
Takaziva zvekare kwechinguva kuti
zuva rokutanga rezuva rokutongwa
rinobatana nezuva iro kubvutwa
kuchaitika; uyu ndiwo musi
waChivabvu 21,2011
Asizve zvakazowonekwa kuti pane
mazuva 722,500 chaiwo kubva muna
Kubvumbi 1, 33A.D kusvika pana
Chivabvu 21, 2011. Pfungwa iyi
inotipa zvekare humwe humbowo
hwakazara kuti Chivabvu 21, 2011
ndiro zuva rokubvutwa uye zvekare
ndiro zuva repanotanga zuva
rokutongwa.
Nokuda kwekukosha
nechishamiso chehumbowo uhwu
tichanyatsotora nguva kuti tivake
izvi.Chokutanga,tinofanira kudzidza
kuti tinokwanisa kuvaka
nekunyatsonanga chaiko zvirengo
zvemazuva kubva pazuva rimwe
kuenda pane rimwe. Kuti tiwane
zviverengo zvemazuva
zvakanyatsonanga kubva pane nguva
imwe mugore kuenda pane nguva
imwecheteyo mune ripi gore zvaro,
tinofanira kuona kuti vadzidzi
vezvinhu zvemuchadenga vakawona
kare-kare kuti kune mazuva
365.2422 mugore rakazara. Ichi
ndicho chikozero karenda redu
ranhasi rine mazuva 365 mugore
roga remakore matatu akatevedzana.
Zvisinei, gore roga-roga rechina rina
mazuva 366. Izvi zvinoitika
nokuwedzera rimwe zuva muna
Kukadzi wegore iroro.
Saka, tichibatanidza mazuva
emakore mana kutsvaga mazuva
epakati nepakati tinowana mazuva
365.25. Asi ,25 mukuru kuna ,2422,
saka zuva rinobviswa kubva
mukarenda makore 128 oga-oga kuti
tirambe tiine zvakanyatsonanga.
Saka, zvatinofanira
kungoita bedzi kusanganisa
kakapetwa makore anopatsanura
zviitiko zviviri nechiverengo
365.2422 kuti tizive mazuva chaiwo
ari pakati pawo.
Saka kubva muna Kubvumbi 1,
33A.D. kusvika pana Kubvumbi 1,
2011 pane makore chaiwo anoita
2011-33 = 1,978 gore rimwe
nerimwe richiva nemazuva
365.2422. Izvi zvinotipa mazuva
722,449, zviverengo zvokubva muna
Kubvumbi 1, 2011 kusvika muna
Chivabvu 21,2011 zvose
(tichibatanidza zuva rokutanga
nerokupedzisira) mazuva 51.
Tichasanganisa mazuva 51
kuchiverengo 722,449 zvinotipa
mazuva 722,500 chaiwo kubva
munaKubvumbi 1, 33A.D kusvika
muna Chivabvu 21, 2011
zvakasanganiswa. Chiverengo ichi
chinonyatsowoneka zvakanyanya.
Parizvino tichaona kuti sei
zvakamira saizvozvo.
ZVIMWE ZVIVERENGO ZVIRI
MUBHAIBHERI
ZVINOKWANISA KUPA
CHOKWADI CHEPAMWEYA.
Mwari dzimwe nguva
vanoshandisa mazwi munenzira
yokuti anoratidza chokwadi
chapamweya, kunyange hazvo zvisiri
pachena mumashandisirwo acho
emazwi. Somuenzaniso, izwi
“gwayana”rinowanzo nongedzera
kuna Kristu segwayana. Vara rokuti
“gomo” rinowanzo mirira
“humambo,” ”munda” rinomirira
“nyika,” “ropa” rinomirira Kristu
achipira hupenyu hwake, uye
“Jerusarema”rinowanzomirira
humambo hwaMwari. Saizvozvo,
zvimwe zviverengo muBhaibheri,
zvakanyorwa semazwi asi kwete
sezviverengo, kazhinji zvinowanzo
nongedzera kuchokwadi chomweya.
Tichatarisa kuzviverengo zvishanu
zvinove mienzaniso weizvi, sezvo
zvinonyatsotarisa pachokwadi
1
chomweya chinooneka. Zviverengwa
izvi zvinoti 3, 5, 10, 17 na 23.
Chiverengwa chetatu
chinomirira chinangwa chaMwari.
Kana Bhaibheri richinyora pamusoro
paKristu achiroverwa, chiverengo
chetatu chinobudiswa kanokwana
kuita gumi neshanu: michinjikwa
mitatu, vaapostora vatatu mubindu
naJesu, kuramba katatu kwaPetro,
zvichienda zvakadaro. Zvitatu
zvitatu zvose izvi zviri kusimbisa
kuti zvirokwazvo chinangwa
chaMwari kuti Kristu varoverwe.
Chiverengo cheshanu
chinomirira kuyananiswa kana
kudzikinurwa (zvichireva kuti Kristu
akafa kuti kuripira zvivi zveavo vose
vaachazoponesa.) izvi zvinoonekwa,
somuenzaniso, nechikamu (1/2 kana
0.5) cheshekeri chemari
yokuyananisa yainongedzera
kuruyananiso. Eksodo wemakumi
matatu, ndima yegumi neshanu
inotaura:
Mupfumi ngaarege kuwedzera,
nomurombo ngaarege kutapudza
pachikamu cheshekeri, apo vanopa
chipo kuna Jehova, kuti
muyananise mweya yenyu.
Chiratidzo cherudzikinuro
chinoratidzwa neshekeri shanu muna
Numeri 3: 47-48:
Unofanira kutora mashekeri
mashanu kunomumwe nomumwe:
unofanira kuatora uchienzanisa
neshekeri rapanzvimbo tsvene
(shekeri rinamagera makumi
maviri). Zvino unofanira kupa
aroni navanakomana vake mari iyo
yokudzikinura avo vakapfuvura
pakuverengwa pakati pavo.
Chiverengwa chegumi kana
zana (gumi rakapetwa kane gumi)
kana chiuru (zana rakapetwa kane
gumi) zvinomirira huzere.
Somuenzaniso, Bhaibheri rinotaura
mune dzimwe ndima nezve
mashereni gumi kana zana rehwai
kana makore anechiuru. Mwari
vanotaura nezva satani akasungwa
makore ane chiuru muna
Zvakazarurwa chitsauko che makumi
maviri ndima yepiri kusvika yetatu.
Asi zvakadaro kubva mune zvizhinji
zvakawedzerwa zveBhaibheri
tinoziva kuti akasungwa pakati
pemakore 33A.D. na 1988 A.D. Aya
makore 1,955 chaiwo anoratidzwa
nemakore chiuru. Bhaibheri
rinotaura nezvake akasungwa
kwemakore chiuru. kuratidza kuti
akange akasungirwa kuti hurongwa
hwaMwari huzadziswe uye izvi
munguva chaiyo aive makore 1,955.
Chiverengo chegumi
nenomwe kazhinji chinoratidza
“denga” Somuenzaniso, mubhuku
raJeremia Mwari vanotsanangura
kuparadzwa kweJudah neJerusarema
namambo we Babironi. Izvi zvaipa
muenzaniso wekuguma kwezera
remakereke panguva iyo satani,
aimirirwa namambo weBabironi
achiparadza Jerusarema neJudah,
aizotonga mumakereke. Muchimiro
chaiita sechisina tariro Jeremiah
akarairwa kuti atenge bindu
nomutengo unoita shekeri gumi
nenomwe dzesirivera. Mwari
vakaraira Jeremiah kuti kutengwa
kwemunda uyu nemashekeri gumi
nenomwe zvakaitirwa kuti
zvisimbise kana kuratidza kuti nguva
ichasvika apo Israeri yaizotora
Jerusarema zvekare. Zvichireva kuti,
vanhu zvekare vaizokwanisa kuenda
kudenga.
Tarisa pana Jeremiah 32:7-17
Chiverengwa chemakumi
maviri ane nhatu chinonongedzera
ku-kuparadzwa. Izvi zvinoratidzwa
munzvimbo dzinokwana kuita mbiri
dzakajeka muBhaibheri. Imwe
tsanangudzo inoratidza chirwere
chinoparadza chakatumirwa
naMwari pamusoro pe Israeri nokuti
vakange vatanga kunamata
chiumbwa chema hedeni chainzi
Baal-peor. Mwari vakaratidza
mubairo wacho muna Numeri
chitsauko makumi maviri aneshanu
pandima yepfumbamwe.
Uye avo vakafa nechirwere vaiva
zviuru makumi maviri neina.
Zvakanyatsojeka, Bhaibheri
rinotaura nezve denda iri musungano
itsva. Tinoverenga muna vaKorinde
vokutanga 10:8
Ngatiregei kuita hupombwe, sezvo
avo vakazviita vakafa muzuva
rimwe zviuru zvemakumi maviri
ane nhatu.
Tarirai, Mwari
vanotsanangura kuparadzwa kwe
zviuru makumi maviri ane ina
musungano yakare ne zviuru
makumi maviri ane nhatu
musungano itsva uku hakuzi
kupikisana. Vanhu vanoita zviuru
makumi maviri neina vakaparadzwa,
uye zvakadaro zvaive zviuru makumi
maviri anenhatu akaparadzwa nezuva
rimwe. Izvi zvinoburitsa pachena
kushanda pamwe kwezviverengo
nokuparadzwa.
Kumwe kusimbisa kwemubatira
pamwe kwechiverengo makumi
maviri nenhatu nokutsamwa
kwaMwari zvinowanikwa muna
Danieri wesere. Ipapo Mwari
vanotaura nezve nguva (iyo
yatinoziva iyezvino kuti ndiyo
chikamu chokutanga
chokutambudzika kukuru) inotora
mazuva 2300, apo panenge satani
achizotonga makereke ose nenyika
apo Mwari vanotanga kuunza
kuparadzwa pamusoro pemakereke,
vachiagadzirira pamwechete nenyika
kuzuva rokutongwa.
Tinoverenga muna Danieri (8:13-14)
wesere ndima yegumi nenhatu
kusvika pane yegumi nena:
ipapo ndakanzwa mumwe
mutsvene achitaura; zvino mumwe
mutsvene zve akati kunaiye
wakanga achitaura: ko izvo
zvakaratidzwa zvichasvika rini,
izvo zvechipiriso chinopiswa
nokusinga peri nokudarika
kunoparadza, kuti nzimbo tsvene
nehondo zviregwe zvichitsikwa
netsoka? Akati kwandiri kusvikira
madekwana namangwanani
anezviuru zviviri namazana
matatu; ipapo nzvimbo tsvene
ichanatswa.
Nekuratidzwa uku
tinokwanisa kunzwisisa kuti
chinyorwa chetatu chinoratidzwa ne
chinangwa chaMwari, chinyorwa
cheshanu nekuyananiswa kana
kudzikinurwa, chiverengo chegumi
nehuzere, chiverengo chegumi
nenomwe nokudenga, uye
chiverengo chemakumi maviri
nenhatu nokutongwa kana
kuparadzwa.
Zviverengo semazwi anotaura
nyaya.
Mazwi akazvimirira anotipa
zvazvinoreva pamweya. Ruzivo
rwakapiwa mune imwe ndima
runosimbiswa zvikuru kana
zviverengo zvine zvazvinoreva
pamweya zvichiwanikwa mundima
iyoyo kana mutsananguro yakadaro.
Somuenzaniso, tinoverenga muna
vakorinde vechipiri chitsauko chepiri
ndima yegumi neshanu kusvika
2
yegumi nenhanhatu: (2 Corinthians
2: 15-16)
Nokuti isu tiri hwema hwakanaka
hwaKristu kuna Mwari, pakati
paivo vanoponeswa navano
parara. Kuna vamwe tiri hwema
hworufu hwunoisa kurufu; kuna
vamwe hwema hwovupenyu
hwunoiswa kuvupenyu. Zvino
ndianiko anga kwanisa zvinhu
zvakadai?
Mundima idzi mbiri Mwari vari
kutsanangura kubata kwevhangeri
(uyo unova murairo waMwari)
muhupenynu hweavo vanorinzwa.
Rinoita chimwe chezviviri izvi.
Rinoshandiswa naMwari kuunza
hupenyu husingaperi nedenga kune
uyo anonzwa. Kana kuti, riinounza
kutsamwa kwaMwari nokuti uyo
anonzwa shoko raMwari anoramba
ari mukusateerera murairo
waMwari.
Chinokatyamadza apa,
mharidzo imwechete yevhangeri
inounza ruponiso kana kutongwa
yakavigwa muzviverengo zvose
zvemakore ayo vhangeri raifanira
kuzotumirwa nema kereke munyika.
Tadzidza kuti zera remakereke
rakatanga mushure mokunge Kristu
vakazviratidza, panguva
yemuchinjikwa, kuti kuti
vakatambudzika sei nokuzofa kuti
vaite muripo wezvivi. Izvo zvaive
mugore ra 33 A.D. Tadzidza kuti
zera remakereke rakatanga
zviripamutemo pazuva rePentecost,
Chivabvu 22, 33 A.D. Rakaenderera
mberi kwemakore anokwana 1,955
kusvika muna 21 Chivabvu 1988 apo
zera remakereke rakasvika
pakuguma.
Chiverengoa 1,955
chinoumbwa nezviverengo zvitatu
zvinoonekera, uye chimwe
nechimwe chazvo chichikwanisa
kuve nezvachinoreva pamweya.
Zviverengo izvi zvinoti 5 x 17 x 23 =
1955
Saka nezviverengo izvi Mwari vari
kuunza mharidzo yepamweya
yakataurwa kuna Vakorinte vepiri
ndima yegumi neshanu kusvika
yegumi nenhanhatu, iyo yaratidzwa
pamusoro: 5 (kuyananiswa kana
kudzikinurwa); 17 (rinounza denga);
kouya 23(inounza kutsamwa
kwaMwari kana kuparadzwa).
Tsanangudzo yakajeka
yechipiri inowanikwa muna Johane
wemakumi maviri neimwe. Munyaya
iyi vadzidzi vanobata zana
nemakumi mashanu ane nhatu ehove
hombe mumambure asinga dimbuke
ayo anokwanisa kudhonzwa
achienda kumahombekombe
zvakanaka. Zvinokwanisa
kuratidzwa kuti hove zana nemakumi
mashanu aane nhatu idzi dzinomirira
avo vose vanozoponeswa munguva
yokupedzisira yegoho revatendi
vechokwadi ririkutora nzvimbo
mukati me mazuva 6,100
okupedzisira ematambudziko
makuru. Sezvineiwo, mambure
haadimbuki, izvo zvinoratidza
pamweya kuti hapana vatendi vasiri
vechokwadi pakati peava. Hove idzi
dzinomirira vatendi vechokwadi
chete. Ndivo mhomho huru yevanhu
vakaponeswa mushure mekuguma
kwezera remakereke, izvo zvinoitika
zuva rokutongwa rave kuda kusvika.
Naizvozvo chinangwa chaMwari kuti
mumwe nomumwe anosimbiswa
kuwana kuzadziswa kweruponiso
rwavo (vanozounzwa kudenga).
Chiverengo zana nemakumi
mashanu anenhatu chinoumbwa
nezviverengo zvitatu zvinoonekera 3
x 3 x 17 =153. Zviverengwa izvi
zvinoburitsa pachena kuti chinangwa
chaMwari (3) kuunza kudenga (17)
avo vanoponeswa mukati memazuva
ekupedzisira ekutambudzika kukuru.
Chiverengo 3 (chinangwa cha
Mwari) chinopetwa kaviri kuratidza
kuti izvi zvakaiswa naMwari uye
Mwari vachaita kuti zviitike
munguva shoma (tarira Genesisi
wemakumi mana ndima yemakumi
matatu anembiri). Saka tinoona kuti
Mwari vanochengetedza sei shoko
rakanyorwa pamweya nezviverengo,
izvo zvinowanikwa mundima
imwechete’yo kana zvinyorwa
zvakadaro.
Ko Pamusoro pechiverengo
722,500?
Ngatidzokerei zvino kune mazuva
722,500. ayo anotanga kubva muna
Kubvumbi 1,33A.D. (zuva
rakaroverwa kristu akafa) kusvika 21
Chivabvu 2011 (zuva iro hurongwa
hwose weruponiso rwaMwari
hunopera uye vatendi vose
vechokwadi vanobatwa kana
kubvutwa kuenda kudenga).
Chiverengo 722,500
chinoumbwa nezvikamu zviviri
zvezviverengo zvakajeka.
Chiverengo chimwe nechimwe chine
hukama nehurongwa hweruponiso
hwa Mwari:
5 x 10 x 17 x 5 x 10 x 17 = 722,500
Kuyananiswa kana
kudzikinurwa zvakaratidzwa
nokutambudzika kwaKristu nokufa
kwake musi waKubvumbi 1, 33 A.D.
(chiverengo 5) chinonyatsopedzwa
zvachose nomusi wa 21 Chivabvu
2011 (chiverengo 10) apo vatendi
vose vechokwadi vanobvutwa
kuenda kudenga (chiverengo 17).
Zvichinyatsooneka, kuenderana
kwezviverengo izvi kuchipetwa
kaviri kuratidza kuti zvakaiswa
naMwari uye kuti zvichaiitika
munguva shoma inotevera (genesi
we makumi mana neimwe ndima ye
makumi matatu nembiri).
Mudikanwi anoverenga,
tinofanira kukachamadzwa zvikuru
nezvatichangobva kudzidza. Zvose
izvo tadzidza zvinotongove
chokwadi nokuti Mwari mumwe
chete akasika pasirose ndiye Mwari
mumwe chete akaronga nhoroondo
yekufamba kwenguva
yakanyatsonanga. Semitemo
yemasikirwo inotendera kuti
chitundumusere chitumidzirwe
kunyika dzemuchadenga
zvirokwazvo tinogutsikana nazvo
uye ichokwadi, kana kuti mirairo
yose inobata zvisikwa zvose tinomira
nayo uye ichokwadi, saizvozvo
mirairowo inobata kubedenuka
kwekufamba kwenguva yaMwari.
Tinofanira kutaura tichienderera
mberi pamusoro pehunu
hunoshamisa hwechiratidzo ichi icho
chakatsamira zvachose paruzivo
rweBhaibheri.
1.Kubvumbi 1, 33A.D.
ndiro zuva apo Mwari vanotaridzisa
pfungwa dzedu, uye ndiro zuva
rakaroverwa Kristu kuti varatidze
mafiro vachitiyananisa kubva
muzvivi zvedu. Chiverengo 5
chinoshandiswa na Mwari kutarisa
zuva iri, Sezvo richiratidza
kuyananiswa pamweya.
2.Ruponiso rwedu
rwunokwanisa muhuzere panguva
apo vatendi vechokwadi
vanogamuchirwa mitumbi yavo
yakamutswa nokusingaperi. Izvi
ndizvo zvinoitika pazuva
rokubvutwa. Chivabvu 21, 2011.
Saka nguva yokubva muna
3
Kubvumbi 1, 33A.D. kusvika muna
Chivabvu 21,2011
(zvichibatanidzwa) ndiyo nguva
izere kubva panguva iyo Mwari
vanotiratidza kuti ruponiso rwedu
rwakakwanisa kusvika panguva iyo
ruponiso rwedu runenge
rwazadziswa zvachose. Izvi
zvinonyatsobatana nechiverengo 10,
chinoratidza kuzadziswa.
3.Musi wa chivabvu 21,
2011, zuva rokubvutwa munhu wose
akaponeswa anoenda kudenga nokuti
ruponiso rwake runenge pamwechete
rwazadziswa. Chiverengo chegumi
nenomwe (17) chinonyatsokwana
zvakanaka nokuti, kana chine
humiririri hwepamweya chinoratidza
kudenga.
4.Kupetwa kaviri
kwezviverengo 5 x 10 x 17
sokupetwa kwevara rokuti “zuva
rakaita sechiuru chemakore”
zvinotisimbisa kuti chokwadi
chezviratidzo izvi zvakaiswa
naMwari uye Mwari vachaita kuti
zviitike munguva pfupi iri kutevera:
Hazvishamise here kuti Mwari
vakashandisa chiitiko chokupeta
kaviri ichi kuti vasimbise zvekare
kuti zuva raChivabvu 21, 2011
zirokwazvo zvichatoitika, sezvo
Mwari vakashandisa chiitiko
chokupeta kaviri kuti zvirokwazvo
vasimbise kwatiri kuti zuva
rokutongwa makore zviuru
zvinomwe chaizvo kubva
pamafashama ezuva raNoah.
Booklets:
Kabhuku kadiki:
(We Are Almost There)
Tatove Kutosvika
(To God Be the Glory)
Mwari
Ngaakudzwe
(I Hope God Will Save Me)
Ndinovimba Mwari Vachandiponesa
Tracts:
Zvinyorwa pamapepa
(Judgement Day: May 21, 2011)
Zuva rokutongwa: Chivabvu 21,
2011
(No Man Knows the Day or the
Hour) Hapana Anoziva Zuva kana
Nguva
SHONA TO AFRICA
LOCAL TIME
1900-2000
KHZ
17785
Zvirokwazvo, pamberi pezivo iyi
inoshamisa, ko ndiani zvake
angashinga kupokana neBhaibheri
zvakanangana nechokwadi
chemazvirokwazvo kuti kutanga
kwezuva rokutongwa pamwechete
nokubvutwa zvichaitika musiwa 21
Chivabvu, 2011.
Family Radio
Internet:
http//www.familyradio.com
email:
[email protected]
Postal Address: Family Stations,
Inc, Oakland, California 94621
U.S.A.
Kuti muwane ruzivo rwakawanda
pamusoro penyaya iyi, munokwanisa
kubata
Family Stations, Inc. kuti muwane
chinyorwa chepachena
4

Benzer belgeler

kudzidzisa pachishandiswa mavhidhiyo

kudzidzisa pachishandiswa mavhidhiyo Endai pajw.org muone vhidhiyo yakanzi “Zvinotaurwa Nevezera Rako—Kushungurudzwa Panyaya Dzepabonde.” (Tarisai pakanzi ZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI > VARI KUYARUKA > ZVINOTAURWA NEVEZERA RAKO.) Chiped...

Detaylı

kudzıdzısa pachıshandıswa mavhıdhıyo

kudzıdzısa pachıshandıswa mavhıdhıyo Jehovha Muchiri Vaduku,” rwuri mubhuku rinonzi Imbirai Jehovha? Vhura rwiyo rwacho mubhuku rako renziyo, kana kuti rwukope pajw.org. (Tarisa pakanzi MABHUKU ˛ MABHUKU UYE MABHUROCHA.) Mashoko erwiy...

Detaylı